1 John 3

Vana vaMwari

1Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. 2Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita. 3Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye. 4Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo. 5Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari. 6Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva. 7Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama; 8uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi. 9Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari. 10Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake. 11Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane; 12kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama. 13Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. 14Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu. 15Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. 16Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu. 17Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari? 18Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi. 19Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake. 20Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese. 21Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari; 22uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake. 23Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo. 24Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.

Copyright information for Shona